Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 150 Jesu asati auya Lyrics

Shona Methodist Hymns

Hymn 150 Jesu asati auya Lyrics

 

Jesu asati auya
Taigara murima,
Rima rokusamuziva
Iye Mwari sababa;
Zvino nyika inofara
Noruvheneko urwu;
Jesu chiedza chenyika
Chakatumwa naMwari.

Chiedza chomwoyo wangu
NdiJesu Ishe wangu;
Kugara kwake mandiri
Kwafusa rima rangu;
Dzose nharo nokuzvida
Kunobiswa mandiri;
Kutya nokubvunda kwangu
Kunopedzwa naJesu.

Zvino ndonzwa norufaro
Kuti Jesu ndinaye;
Iye agere mandiri,
Neni ndiri maari;
Wese anobvuma Jesu
Angave nechiedza;
Hongu, ndiyamurei She
Kuti ndive nomwenje.

Ishe nguva dzangu dzose
Pfutisa mwenje wangu;
Kuti vamwe vauone
Mwenje woruponiso;
Vagopinda muchiedza,
Vafare nemi Jesu;
Kudakara nyika yose
Ikurumbidze Jesu.

 

Exit mobile version