Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 143 Mumwe ariko kum’soro Lyrics

Shona Methodist Hymns

Hymn 143 Mumwe ariko kum’soro Lyrics

 

Mumwe ariko kum’soro;
Anotida!
Rudo rwake rwakakomba;
Anotida!
Hama dzedu dzinotiza,
Zvimwe dzingatitambudze
Haana kutinyengedza;
Anotida!

Kumuziva ndoupenyu:
Anotida!
Wakatipa zvinhu zvose:
Anotida!
Tanga tiri kure naye,
Wakatitenga neropa;
Zvino tachengetwa naye:
Anotida!

Jesu ndiShamwari wedu:
Anotida!
Woda kutiropafadza:
Anotida!
Mwoyo yedu inomuda,
Yoda kushovedzwa naye,
Zvirokwazvo nechokwadi:
Anotida!

Anoregerera zvivi:
Anotida!
Hondo dzedu dzinokundwa;
Anotida!
Anotipa zvipo zvose
Wopa namakomborero,
Achatipa noutsvene;
Anotida!

 

Exit mobile version