Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 138 Rakanaka iro zuva Lyrics

Shona Methodist Hymns

Hymn 138 Rakanaka iro zuva Lyrics

 

Rakanaka iro zuva
Randakatenda kuna She!
Mwoyo wangu fara zvako,
Udza vanhu vose naro.

**CHORUS**
Ranaka, ranaka,
RaJesu wakandishamba!
Iye wakandidzidzisa
Kurinda nokuteura:
Ranaka, ranaka,
RaJesu wakandishamba!

Chanaka chitenderano
Chinondisunga kuna She!
Ngaizadzwe imba yake
Norwiyo rwandinoimba.

Rakapera basa guru!
Ndiri wake, uri wangu;
wakandizvuva norudo
Ndikamutevera ini.

Mwoyo wangu chizorora!
Wakatsaukaniswa kare;
Rega kubva kuna Ishe,
Kwa’ri zvose zvakanaka.

Nokudenga chakanzwikwa
I’chitenderano changu;
Napakufa ndingatende
Nokuti’ni ndiri wake.

 

Exit mobile version