Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 137 Ngatitende kuna Jesu Lyrics

Shona Methodist Hymns

Hymn 137 Ngatitende kuna Jesu Lyrics

 

Ngatitende kuna Jesu,
Ndiye wakatifira;
Wakatiitira tsitsi,
Nokutifira kwake;
Ishe, baba!
Ivai netsitsi nesu.

Isu vanhu voupofu,
Wakauya kunesu
Wakafira vanhu vose,
Wakafira mapofu;
Ishe, baba!
Ivai netsitsi nesu.

Marudzi enyika yose,
Vatende pamwe chete;
Ngavakurumbidze vose,
Vaimbe kuna IShe;
Ishe, baba!
Iva netsitsi nesu.

 

Exit mobile version