Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 132 Makandinzvera Jehovha Lyrics

Shona Methodist Hymns

Hymn 132 Makandinzvera Jehovha Lyrics

 

Makandinzvera, Jehovha
Munoziva zvose zvangu,
Kuzorora, kusimuka,
Nokufunga kwakavanda.

Nzira nechimiro changu
Munocherekedza zvose;
Shoko risati rataurwa
Munotoriziva rose.

Ruzivo runoshamisa
Rwandikomberedza chose;
Nyange ndotizira kure
Muripo pamberi pangu.

Rima harindifukidze
Harindivanze kwamuri,
Asi rima nechiedza
zvakafanana kwamuri.

Zviri nhando kukutizai,
Handigone kuzvivanza,
Saka zvino ndozvipira,
Mandikunda Mwari wangu.

Ndinzverei mundizive,
Mundiedze, mundidzore,
Mundifambise munzira
Yenyu nokusingapere.

 

Exit mobile version