Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 131 Ndoisa pana Jesu Lyrics

Shona Methodist Hymns

Hymn 131 Ndoisa pana Jesu Lyrics

 

Ndoisa pana Jesu
Zvivi zvangu zvose;
Anonditakurira
Mutoro mukuru;
Ndounza kuna Jesu
Mhosva dzangu dzose,
Ndinoda kushambidzwa,
Nditsveniswe kwazvo.

Ndoisa pana Jesu
Nhamo dzangu dzose
Anorapa zvirwere
Anondinunura;
Ndounza kuna Jesu
Dambudziko rangu,
Anonditakurira,
Ndigorerukirwa.

Ndozorodza kwaari
Mweya wakaneta,
Ndorinda zvakanaka
Pachipfuva chake;
Jesu Emanueri,
Ndoda zita rake;
Anesu nguva dzose
Ndiye Muyamuri.

Ndoda kuva saJesu,
Wanga akapfava,
Ndiye mwana mutsvene
Wababa wedenga;
Ndoda kuva naJesu,
Agondidzidzisa
Kuti ndikurumbidze
Pamwe nengirozi.

 

Exit mobile version