Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 127 Sezva ndiri ndinouya Lyrics

Shona Methodist Hymns

Hymn 127 Sezva ndiri ndinouya Lyrics

 

Sezva ndiri, ndinouya
Ndisina chandakanatsa,
Asi ndimi mandidana,
Ndinouya Ishe.

Handinonoke kubviswa
Zvitadzo zvandakaita,
Kwamuri munochenisa
Ndinouya Ishe.

Kunyange ndodzungaidzwa
Namadzudzo omumwoyo.
Ndichinzwa kurwa nokutya
Ndinouya Ishe.

Murombo, bofu razvidzwa,
Ndichapona nemi chose,
Ndichapfumiswa kwamuri,
Ndinouya Ishe,

Munozondiregerera
Ndigam’chirwe, ndicheniswe,
Nokuti ndokubvumai
Ndinouya Ishe.

Rudo runondishamisa
Rwakakunda chakaipa;
Kuti ndive wenyu chose
Ndinouya Ishe.

Nenzira yorudo rwenyu
Kuzorunzwa zvakakwana
Pano zvino nokudenga,
Ndinouya Ishe.

 

Exit mobile version