Shona Methodist Hymns
Hymn 124 Ndomukurumbidza Lyrics
Ndomukurumbidza
Musununguri;
Anondiponisa
Pazvakaipa;
Anondifarisa
Pamwoyo wangu,
Ngandikurumbidze
Musununguri.
Ndakabatikana
Pamhosva yangu;
Ndakasvipisiswa
Nezvivi zvangu;
Ndakanga ndakafa
Mumweya wangu,
Wakandiponisa
Musununguri.
Ndichagara naye
Musununguri,
Ndichifamba naye
Panzira yake;
Woenda kudenga,
Ndoenda naye,
Ndive noupenyu
NoM’sununguri.