Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 120 Muka mweya wangu Lyrics

Shona Methodist Hymns

Hymn 120 Muka mweya wangu Lyrics

 

Muka, mweya wangu,
Rasa kutya kwako,
Diramhamba rako
Riri pana Mwari;
Muponisi wakanyora
zita rangu nero ropa.

Ariko kudenga
Kundireverera,
Norudo nengoni
Nero ropa rake.
Rakaparadzirwa tose
Ririko mberi kwaMwari.

Maronda aJesu
Apa muchinjikwa,
Anonyengetera,
Anondirevera;
Anochema: Regererai!
Kanganwirai uyu m’tadzi!

Baba anomunzwa
Mwana mudikanwa,
Haadi kuramba
Mukumbiro wake;
Mweya wandiudza zvino
Kuti ndazvarwa naMwari.

Ndakaregererwa,
Ndakayananiswa,
Ndava mwana wake,
Handitye Kakare;
Ndinosedera, ndichiti:
Mwari baba! Mwari baba!

 

Exit mobile version