Shona Methodist Hymns
Hymn 116 Baba ndiri mwana wenyu Lyrics
Baba ndiri mwana wenyu
Nyange ndakatadza;
Ndinochema mberi kwenyu,
Mundiregerere.
Zvitadzo zvangu zvizhinji
Hazvingaverengwe;
Ndinozviisa kwamuri
Mundiregerere.
Mirau yenyu ndakatyora,
Ndakakuzvidzai,
Mununuri ndamurasa
Mundiregerere.
Ndakatadza nokureva
Nokufunga kwangu,
Ndakatadza namabasa,
Mundiregerere.
Nyange ndanga ndafanera
Kukukurumbidza;
Ndatadza nokukanganwa;
Mundiregerere.
Nezvakaipa zvizhinji
baba, ndakatadza,
Ndakakunyadzisai imi,
Mundiregerere.
Muri Mwari mune ngoni
Dzisingazopera.
Naizvozvo ndinochema;
Mundiregerere