Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 112 Baba nditarisei netsitsi dzenyu Lyrics

Shona Methodist Hymns

Hymn 112 Baba nditarisei netsitsi dzenyu Lyrics

 

Baba nditarisei netsitsi dzenyu,
Mundiregerere zvivi zvangu;
Neropa roMwanakomana wenyu
Chimboteererai izwi rangu.

Ishe wangu ndinayo tsvina bedzi,
Handingashambidze mwoyo wangu;
Ndovimba chete nedzo tsitsi dzenyu
Nokuti ihuru mhosva yangu.

Zvose zvakaipa zvandakaita
Ndinozviona mupfungwa dzangu,
Zviito zvangu zvinondinyadzisa
Ndinoremerwa nemhosva yangu.

Asi ndakanzwa noruregerero
Kuti ruripo kuMuponisi.
Ndicharuwana, ndinobvuma chose,
Ndiye wandidana Ishe wangu.

 

Exit mobile version