Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 100 Kwete! Idzo tsitsi dzenyu Lyrics

Shona Methodist Hymns

Hymn 100 Kwete! Idzo tsitsi dzenyu Lyrics

 

Kwete! Idzo tsitsi dzenyu
Kuna ivo vane mhosva,
Munoda kuregerera,
Munoda kuvaponisa.

Jesu Ishe wokudenga
Tererai vatadzi vose,
Mudzorere, muponise,
Vatyori vemirairo.

Tsitsi dzenyu huru, Jesu,
Dzakakwana nyika yose,
Hadzingaenzaniswe,
Hadzingapere narini.

Makororo nedzomvemve
Mhombwe navo vanokorwa,
Vose vashovedzwa nemi
Kuti vose vaponiswe.

Vanobvuma nokuchema,
Muvanzwe netsitsi Ishe,
Muvaregerere chose,
Simbisai rutendo rwavo.

 

Exit mobile version