Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 93 Ndichaimba Nyaya Hururu Lyrics

Shona Baptist Hymns

Hymn 93 Ndichaimba Nyaya Hururu

1
Ndichaimba nyaya huru,
Kristu wakandifira,
Akasiya musha wake
Kusvika pam’chinjikwa.

KORASI
Ndichaimba nyaya huru,
Kristu wakandifira,
Ndichaimba navatendi,
Pamwe chete kumsoro.

2
Ndarasika andiwana,
Akawana makwa-i,
Akandibata norudo,
Akandiuyisa zve.

3
Ndarwara; andiponesa,
Ndakaziya nokuwa,
Kuona kwapera; ndatya,
Bva andisunungura.

4
Achandichengeta, rufu
Ruchisvika kwandiri;
Achandiperekedza ’ko;
Ndichaona shamwari.

Exit mobile version