Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 92 Ndawana Shamwari Lyrics

Shona Baptist Hymns

Hymn 92 Ndawana Shamwari

1
Ndawana shamwari, Jesu wangu,
Rudo runogara, ari wangu,
Rufaro rwenyika ruchazopfuura,
Ndino runyararo, ari wangu.

2
Kana ndapererwa, Jesu wangu,
Anozondibata, ari wangu,
Anondichengeta nesimba reropa,
Hapana kusuwa, ari wangu.

3
Nyika yapfuura, Jesu wangu,
Pakutonga kwake, ari wangu,
Chinhu choshamisa, kana ndotarisa,
Iye pakudenga, ari wangu.

4
Ndasiya zvenyika, Jesu wangu,
Ndinoda zveDenga, ari wangu,
Ari Mununuri; ari Muchengeti,
Ari Muponesi, ari wangu.

Exit mobile version