Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 9 Farai Nyika She Wauya Lyrics

Shona Baptist Hymns

Hymn 9 Farai Nyika She Wauya

1
Farai nyika; She wauya,
Ishe wenyu kudzai!
Muzvipire,
Kuna Ishe,
Denga, nyika, imbai!
Denga, nyika, imbai!
Denga, denga, nyika, imbai!

2
Bvisa-i zvivi zvose wo,
Pamberi paMambo!
Achatipa
Zvakawanda,
Sezvo tinonatswa,
Sezvo tinonatswa,
Sezvo, sezvo tinonatswa.

3
Farai nyika; She wotonga,
Vanhu imbai nziyo!
Zyinku zvose,
Ngazviimbe
Kuna Jesu Mambo,
Kuna Jesu Mambo,
Kuna, kuna Jesu Mambo!

4
Achadzoka kuzotonga
Nyika yose pano!
Aratidze
Rudo rwake
Kuna vanhu vose,
Kuna vanhu vose,
Kuna, kuna vanhu vose!

Exit mobile version