Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 89 She Wokuchengeta Lyrics

Shona Baptist Hymns

Hymn 89 She Wokuchengeta

1
Iwe usarasha mwoyo ’po,
She wokuchengeta,
Uya kwaari iko zvino,
She wokuchengeta.

KORASI
She wokuchengeta,
Misi yose; wokwanisa,
Achakuchengeta,
Uchachengetwa naShe.

2
Kunyange unonetswa pano,
She wokuchengeta,
Tarisa kuna Jesu zvino,
She wokuchengeta.

3
Namata kuna Jesu Ishe,
She wokuchengeta,
Uchapiwa mufaro naye,
She wokuchengeta.

4
Tendeuka kuna Jesu She,
She wokuchengeta,
Uchasimbiswa norugare,
She wokuchengeta.

Exit mobile version