Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 87 Ndasarudzwa NaJesu Lyrics

Shona Baptist Hymns

Hymn 87 Ndasarudzwa NaJesu

1
Ndasarudzwa naJesu, kuti ndive wake;
Iye, upenyu hwangu, ndino rudo rwake;
Ndikatsaukaniswa nokuipa kwose;
Ini, ndinozvipira kuna Mwari, Ishe.

2
Ndasarudzwa naJesu; anondichengeta;
Ndomupa mwoyo wangu; anoushambidza;
Hatingatsaukanwi; tiri mumwe chete,
Nokuti ndiri Wake, ari wangu, Iye.

3
Ndasarudzwa naJesu; ndinogara naye;
Ari M’ponesi wangu; watanda vavengi;
Anondipa masimba pakuedzwa kwose;
Naye nokuzvipira, ndingakunde zvose.

Exit mobile version