Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 80 Kwamuri Lyrics

Shona Baptist Hymns

Hymn 80 Kwamuri

1
Jesu makandiponesa,
Makandisunungura,
Makandibatsira chose
Ndozvipira kwamuri.
Kwamuri; kwamuri;
Kwamuri; kwamuri;
Makandibatsira chose,
Ndozvipira kwamuri.

2
Handidi zvinhu zvenyika
Ndinorasha wo zvivi,
Asi ndinokudai Ishe,
Ndiswedere kwamuri.
Kwamuri; kwamuri
Kwamuri; kwamuri;
Makandibatsira chose,
Ndiswedere kwamuri.

3
She munonditungamira,
Nhas’ nokusingaperi,
Kudenga ndichakukudzai,
Zvondosvika kwamuri.
Kwamuri; kwamuri;
Kwamuri; kwamuri;
Kudenga ndichakukudzai,
Zvondosvika kwamuri.

Exit mobile version