Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 73 Tendai Lyrics

Shona Baptist Hymns

Hymn 73 Tendai

1
Muchabatsirwa; muchaponeswa,
Sezva munotenda Jesu She;
Muchapiwa wo mufaro kwazvo,
Sezva munotenda Jesu She.

KORASI
Tendai! Tendai!
Kuna Jesu soM’ponesi;
Tendai! Tendai!
Muchasimbiswa wo naMwari.

2
Muchawana wo simba norudo,
Sezva munotenda Jesu She;
She Muponesi woenda nemi
Sezva munotenda Jesu She.

3
Makomborero anouya wo,
Sezva munotenda Jesu She;
Musingatyi, Jesu anemi,
Sezva munotenda Jesu She

Exit mobile version