Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 61 Nounyoro Jesu Anokudana Lyrics

Shona Baptist Hymns

Hymn 61 Nounyoro Jesu Anokudana

1
Nounyoro Jesu anokudanai,
Kudana imi ne’ni;
Onai pamsoro anokumirirai,
Nokukutarisirai.

KORASI
Uyai, uyai, imi,
Makatambudzwa, uyai zvino;
Nesimba norudo Jesu wodana
Kudana imi, uyai.

2
Tichamirire-i She uchidana?
Kudana imi ne’ni
Tichagarire-i tisina nyasha?
Nyasha pamsoro pedu.

3
Nguva yotiza, musi wopfuura
Kubva kune’mi ne’ni
M’bvuri youya nenhovo yorufu
Pamsoro pe’mi ne’ni.

4
Kugam’chira rudo rwakavimbiswa
Takavimbiswa narwo
Kunyange takatadza, ane nyasha,
Ruregerero rwedu.

Exit mobile version