Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 55 Matambira Jesu Here Lyrics

Shona Baptist Hymns

Hymn 55 Matambira Jesu Here

1
Matambira Jesu here?
Iye wakakufira-i,
Anodisa imi mose,
M’tadzi m’bvume apinde,

KORASI
Jesu anokudaidzai,
Mhanyai mutambire She,
Zarura-i mwoyo yenyu,
Mubvumidze apinde.

2
Nguva dzose munodisa
Zvinhu zviri pasi pano,
Asi munoramba Jesu,
Iye wakakufira-i.

3
Jesu anokudaidzai,
Terera-i izwi rake,
Nhasi nguva yakanaka,
Chirega-i kunonoka.

4
Kufa kuchasvika idi,
Muchaiswa muguva,
Nguva iyo hamuchanzwi
Kudaidza kwake ‘ko.

Exit mobile version