Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 28 Hosana Wekudenga Lyrics

Shona Baptist Hymns

Hymn 28 Hosana Wekudenga

1
Hosana wokudenga,
Ndotmba nezwi rangu
Kumwana waDavidi
Wauya kwandiri.
Hosana, ndiyamure
Pakurema kwangu;
Wauya asadanwa,
Muponesi wangu.

2
Ndoshonga dzakadini,
Azondishanyira?
Mugadzirire iwe
Mwoyo wako wose.
Ndoupira kwamuri,
Mununuri wangu,
Upfugame kwamuri
Chokwadi, She wangu.

3
Ndasunungurwa nemi
Mudorongo rangu:
Rikadimurwa nemi
Iro joti rangu:
Rakandirasikisa,
Ndasiya upenyu,
Makandifarisazve
Pakuchema kwangu.

Exit mobile version