Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 26 Wouya Nhasi, Here? Lyrics

Shona Baptist Hymns

Hymn 26 Wouya Nhasi, Here?

1
Jesu achadzoka panyika;
Wouya nhas’, here?
Vose wo naye vachatongwa;
Wouya nhas’, here?
Vanhu vanotenda kuna She,
Vachaungana kuva naye,
Kubva panzvimbo dzose dzose;
Wouya nhas’, here?

KORASI
Achauya; ndichafara chose;
Achauya; tichakudza Ishe;
Achauya; ngatigadzirirei;
Achauya; She achadzoka zve.

2
Satan’ achasungwa mugomba,
Wouya nhas’, here?
Matambudziko achabviswa,
Wouya nhas’, here?
Vanhu vakafa muna Ishe,
Vachamutswa, vaende naye,
Kundogara mazuva ose;
Wouya nhas’, here?

3
Takatendeka, here, pano?
Wouya nhas’, here?
Tinofanira kurinda wo,
Wouya nhas’, here?
Zviratidzo wo zviri pano,
Kuuya kwake kuri pedo,
Ngatigadzirirei zvino;
Wouya nhas’, here?

Exit mobile version