Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 210 Nyasha Dzashe Dzakakwana Lyrics

Shona Baptist Hymns

Hymn 210 Nyasha Dzashe Dzakakwana

1
Kana makatambudzwa kwazvo,
Munoda kusunungurwa,
Chirangarira Shoko raShe,
Nyasha dzaShe dzakakwana!

KORASI
Nyasha dzaShe dzakakwana…..
(She dzakakwana)
Nyasha dzaShe dzakakwana…..
(She dzakakwana)
Mukati memifaro kana nhamo,
Nyasha dzaShe dzakakwana!

2
Satan anondinetsa chose,
Asi ndinorangarira,
Mukati menhamo mis’ yose,
Nyasha dzaShe dzakakwana!

3
Chikepi changu chinonetswa,
Nemhepo yavakaipa;
Asi kunaShe ndozvipira,
Nyasha dzaShe dzakakwana!

4
Kana upenyu hwakapera,
Ndichagogara kudenga,
Mazuva ose ndomuvonga,
Nyasha dzaShe dzakakwana!

Exit mobile version