Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 199 She Jesu Wakanatsa Lyrics

Shona Baptist Hymns

Hymn 199 She Jesu Wakanatsa

1
Ndaifamba muzvivi; ndakatadza kwazvo!
Bva Jesu Muponesi wakandipa rudo!
Wakandinzwira tsitsi mumatambudziko,
She Jesu wakanatsa; wondipa mufaro!

KORASI
She Jesu wakanatsa zvivi zvangu zvose!
She Jesu wakanatsa; wondipa rugare!
Ndinofara zvikuru nokuda kwaJesu!
She Jesu wakanatsa muupenyu hwangu!

2
Ndinoda kuzivisa vadikanwa vangu
Zva Jesu, Mambo mutsva, woupenyu hwangu;
Vachafara zvikuru nokuda kwaJesu,
She Jesu wakanatsa muupenyu hwangu!

3
Chiuyai kuna Jesu, imi mose zvino,
Muchafara zvikuru kupiwa wo rudo;
Jesu anokuda-i; musatya henyu ’po,
She Jesu achanatsa zvitadzo zvenyu wo!

4
Ipapo tiri mumwe pamwe chete naShe;
Wakatifira tose tiponeswe naye;
Tichaenda kudenga tigare mis’ yose!
She Jesu wakanatsa zvivi zvedu zvose!

Exit mobile version