Shona Baptist Hymns
Hymn 150 Nguva Yakanakisisa Yokukurumbidza
1
Nguva yakanakisisa yokukurumbidza,
Kana tadzoredzaniswa pam’soro kudenga;
Ndizvozvo tichinzwa mazwi echisimbisiso,
Chokuti kana tikafa pane ino nyika.
KORASI
Tinosangana kudenga neropa raJesu;
Nokutenda kuna Jesu tichasanganiswa.
2
Kunakisa kworugare rwakasunga mwoyo;
Isu kana taungana pazita raKristu;
Mwanakomana waBaba wakakomborerwa;
Chifungidziro chokuti tichasanganiswa.
3
Hongu, nokukurumbidza, kukunda zviedzo
Tsoka dzedu dzakaneta dzichayambukira;
Zambuko rine ndarama pavakagarira;
Avo vanotida isu; kuripo rufaro.
4
Kana kutsaukaniswa kukange kwasvika
Namazuva mashomana makore mashoma,
Tichava naye M’ponesi pana idzo nzvimbo
Dzatinoreverwa kunzi tichasanganiswa.