Shona Baptist Hymns
Hymn 147 She, Ndinatsei
1
Ndaitsvaka zvinhu zvose zvenyika,
Bva hazvina kundigutisa,
Ipapo She wakandidana,
“Tenda kwandiri; uchafarisa!”
KORASI
She, ndinatsei,
Kubva muzvivi,
Ndinorasha zvitadzo zvino,
Ndine nzara nokuda kwoutsvene,
Ndinatswe, nemi, She, nhasi uno.
2
Saka hama dzangu tenda-i Jesu,
Nzara yenyu ichagutiswa,
She Jesu achakunatsa-i,
Kana muchizvipira kwaari.
3
Zvinhu zvose zvenyika zvinopera,
Hazvigoni kutigutisa,
Bva uyai kuna Jesu Kristu,
Ane simba rokutichenesa!
4
Saka, hama dzangu, tenda-i Jesu,
She woga angakuponesei,
Wakatifra pam’chinjikwa,
Mupenyu nhas’ tiponeswe naye!