Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 141 Panyika Dziri Kure Lyrics

Shona Baptist Hymns

Hymn 141 Panyika Dziri Kure

1
Panyika dziri kure,
Kuchando zvirokwazvo,
Nenyika dziri pedyo
Kupisa basi-basi,
Panyika dzemakomo
Nedzimwe dzemikana,
Vanoti, “Uyai hama,
Tinoda Mwari wenyu.”

2
Jehova wakanaka
Kudisa vanhu vose,
Anopa mvura yavo
Nezuva nezvokudya;
Nezvisimiro zvavo,
Nenyama pamakomo,
Vapiwa izvi zvose;
Havamutendi, Mwari.

3
VaKristu, titi pano,
Taziva ruponeso,
Tonyima ivo here,
Upenyu hwedu hutsva?
Mashoko akanaka,
Nga’tumwe kuna vose
Dakara vanhu vose
Vazive Mwari wedu.

4
Mabasa edu tose
Kugara zvakanaka
Nokubatsira avo
Vasingazivi Mwari;
Dakara Jesu Kristu
Adzike zve panyika
Kutonga vanhu vose,
Kuita Mambo wedu.

Exit mobile version