Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 125 Gam’chira Mweya Wangu Lyrics

Shona Baptist Hymns

Hymn 125 Gam’chira Mweya Wangu

1
Gam’chirai mweya wangu,
Ndokupirai upenyu;
Gam’chirai misi yose,
Ngaikurumbidzei She.

2
Mugam’chire maoko,
Aite basa renyu;
Gam’chirai tsoka, Ishe,
Kuti dzikumanyirei.

3
Gam’ chirai izwi rangu,
Riimbire She vangu,
Mugam’chire miromo,
Iparidzire Mambo.

4
Mari yangu, gam’chirai,
Pasina chandasiya;
Gam’chirai ndangariro,
Chiitai basa nayo.

5
Gam’chirai kuda kwangu,
Kuti kusave kwangu;
Zvino gam’chirai mwoyo,
Chive chigaro chenyu.

6
Gam’chirai rudo rwangu,
Ndokupai pfuma dzangu;
Mundigam’chire, Ishe,
Nguva isingaperi.

Exit mobile version