Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 113 Hama Yedu NdiShe Jesu Lyrics

Shona Baptist Hymns

Hymn 113 Hama Yedu NdiShe Jesu

1
Hama yedu ndiShe, Jesu,
Watakudzwa kuipa,
Tapiwa kuti tiuye
Kwa’ri nokuteura;
Kunyarara hatiwani,
Tinotambudzwa kwazvo,
Nokuti hatitakuri
Zvose nomuteuro.

2
Takanetswa nokuedzwa,
Tinotambudzwa here?
Tiregei kurasha mwoyo,
Teura kuna Ishe;
Aripo watendisika
SaJesu ane tsitsi,
Waziva kurukutika,
Teura kuM’ponesi.

3
Takati rukutu here?
Zviripo zvinonetsa?
Muponesi bako redu,
Zvino tinoteura;
Hama dzako dzakuzvidza,
Teura kwaShe wako,
Pamaoko wochengetwa,
Wozorodzwa ikoko.

Exit mobile version