Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 105 Mufudzi Wanga NdiJesu Lyrics

Shona Baptist Hymns

Hymn 105 Mufudzi Wanga NdiJesu

1
Mufudzi wangu ndiJesu,
Anondivatisa,
Anondipa zvinhu zvose,
Zvakanaka chose.

2
Jesu anondifambisa,
Mukururama wo,
Mwoyo wangu unofara
Munzira yake ’po.

3
Kunyange ndinofamba wo,
Munzira yorufu,
Handityi mukati mazvo,
Nokuti aneni!

4
Wakandigadzirira ’po,
Tafura pamberi
Pavavengi vangu pano,
Timukudze zvino.

5
Ndichagara naJehova,
Mazuva ose ’ko,
Asi zvino ndoteverwa
Netsitsi norudo.

Exit mobile version