Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 102 Ndotevera Jesu Ishe Lyrics

Shona Baptist Hymns

Hymn 102 Ndotevera Jesu Ishe

1
Ndotevera Jesu Ishe,
Wakandifira pano,
Anondibatsira chose,
Ndisvike kudenga ‘ko,
Ndino rudo norugare,
Rwakapiwa kwandiri,
Nokuda kwaJesu Kristu,
Anogara mandiri,
Nokuda kwaJesu Kristu,
Anogara mandiri.

2
Ndotevera Jesu Ishe,
Anondisimbisa wo,
Anonditungamirira,
Ndikunde miedzo ‘po;
Kunyange ndinotambudzwa,
Nemiedzo yaSatan’,
Ndichakunda zvinhu zvose,
NaShe Jesu pan’ apa,
Ndichakunda zvinhu zvose,
NaShe Jesu pan’ apa.

3
Ndotevera Jesu Ishe,
Murudo rwake pano,
Kusvikira ndinoenda,
Kundogara naye ’ko:
Ipapo ndichamukudza
Navatendi vose wo,
Pamwe chete tichavonga
Jesu Kristu saMambo,
Pamwe chete tichavonga,
Jesu Kristu saMambo!

Exit mobile version