Shona Anglican Hymn 99 Kumusoro kudenga
1. KUMUSORO kudenga
Kumusha waBaba
Kristu wakakwira uko
Kundotuma chipo.
2. Zuva rakatsidzwa
Ndiye Tenzi Jesu,
Rakange rasvika iro
Zuva rePendekoste.
3. Vadzidzi vakange
Varikunamata,
Vakaziviswa nemhepo
Kuvapo kwaMwari.
4. Runambi rwomoto
Rwakabva kudenga;
Mwoyo yese yakapiwa
Rujeko rwaBaba.
5. Vese vakapiwa
Mweya Unoyera,
Vakataura nendimi
Mabasa aTenzi.
6. Vatorwa varipo
Kubva nyika dzese,
Vakashamiswa kuinzwa
Mitauro yavo
7. Vanhu vaivapo
Vakavatsvinyira;
Vachiti ava varume
Vararadza vese
8. Petro wakamira
Akatseura’wo
Kusadavira kwavanhu,
Akavapindutsa
9. Tinokudza Baba
Mwana noMweya zve,
Nhambwe dzese ngatipiwe
Zvipo zvake Mweya. Amen.