Shona Anglican Hymn 93 Jesu Mukuriri wedu
1. JESU Mukuriri wedu
Samambo anogadzwa;
Anokwira pamakore
Kuzambara redenga;
Hondo dzengerosi dzese
Dzinoti Areruya.
Zarudzai mazambara,
Kuti Mambo apinde!
2. Ndianiko anouya
Nokurira kwehwama?
Tenzi naMwari wehondo,
Uyo wakakurira,
Uyo wakatambudzika,
Kamwe paMuchinjiko,
Asi ngerumuko rwako,
Wakakurira Satan.
3. Wakwidza unhu hwedu
Kuna Mwari kum’soro;
Akatigarisa denga
Pamwe chete naKristu
Tese tinotonga umo,
Mwari pamwe nomunhu;
Tenzi mukukwira kwako,
Tinoonawo kwedu.
4. Mutungamiriri wedu,
Wakatanga apinda
Kutigadzirira nzvimbo
Muumambo hwedenga:
Anorarama narini
Achitinamatira;
Uyo achazouyazve
Pmusi wokutongwa.
5. Mbiri kunaMwari Baba;
NokunoMukorore,
Uyo wakawana denga
Ngekutifira tese.
Mbiri ngaive kuMweya,
Mbiri kunoUtatu;
Mbiri pasi nokudenga,
Mbiri isingagumi. Amen.