Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 81 Ngekumuka kwake Lyrics

Shona Anglican Hymn  81  Ngekumuka kwake

 

1. NGEKUMUKA kwake

Kristu wakakurira,

Pasi raponiswa

Ndiye Mambo wedu;

Hondo dzengerosi

Dziri kufarira,

Dzamuvirikidza,

Dzaimba Areruya.

2. Uyo wakazvipa

Kare paM’chinjiko,

Ndiye Paska yedu

Nyenye yakachena;

Wakafira isu,

Zvino ane mbiri,

Tese tinofara,

Tiimbe Areruya.

3. Uyo wakafira

Isu vanhu vake,

Zvino muponisi

Anesimba rese;

Mambo wavamambo

Anotonga vese,

Ngatimutunhidze

Tiimbe Areruya.

4. Wakatidzorera

Varasiki vese,

Vangasunungurwe

Vanyangadzi ndiye;

Paska yedu iwe

Tichenurwe tese,

Tikukudze Kristu;

Tiimbe Areruya.

Exit mobile version