Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 79 Jesu arimupenyu Lyrics

Shona Anglican Hymn  79  Jesu arimupenyu

 

1. JESU ari mupenyu

Ndizvo kufa hatikutyi

Ngeizvi tinoziva

Hatisungwi zvino ndiko.

Areruya!

2. Jesu ari mupenyu

Kare rufu rwaityisa

Asi tichanyaradzwa

Pazambara roupenyu.

3. Jesu ari mupenyu

Wakafira isu tose;

Takachenurwa ndiye,

Tese ngatimutunhidze.

4. Jesu ari mupenyu

Anodisa vanhu vake

Muupenyu norufu

Ari petyo panaivo

5. Jesu ari mupenyu

Anotonga zviro zvese;

Tingasvike kudenga

Kumuona nokufara.

Exit mobile version