Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 78 Vanhu vese ngatiimbe Lyrics

Shona Anglican Hymn  78  Vanhu vese ngatiimbe

 

1 ARERUYA! ARERUYA! ARERUYA!

Vanhu vese ngavaimbe

Mambo wedenga nembiri

Wakurira kufa nhasi.

Areruya!

2. Areruya! Areruya! Areruya!

Uyo musi mangwanani

Zvo vakadzi vakaenda

Kundoona guva rake.

3. Areruya! Areruya! Areruya!

Vakaiona ngerosi,

Ikati kuna vatatu

“Jesu waenda Garire.”

4. Areruya! Areruya! Areruya!

Tenzi wavo wakauya

Kuna vadzidzi achiti,

“Ndinomupa runyararo.”

5. Areruya! Areruya! Areruya!

Izvo Tomasi akanzwa

Kuti Tenzi waoneka

Wakaramba kudavira

6. Areruya! Areruya! Areruya!

Tomasi ona rutivi,

Namaoko namakumbo,

Davira usapokane.”

7. Areruya! Areruya!A Reruya!

Wakarega kupokana

Zvo akaona maronda,

Akati “Tenzi naMwari.”

8. Areruya! Areruya! Areruya!

Vakakomborerwa avo

Vanodavira ngemwoyo

Vachagashira upenyu.

9. Areruya! Areruya! Areruya!

Pamusi uno mukuru

Simudzai mwoyo yenyu,

Farai, mutende Mwari.

Exit mobile version