Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 77 Kupenya kwabuda zvino Lyrics

Shona Anglican Hymn  77  Kupenya kwabuda zvino

 

1 KUPENYA kwabuda zvino,

Inzwa kufara kwedenga,

Pasi rafadzwa raimba,

Gehena riri kuchema.

2 Mambo mukuru wevese

Wabvisa nhamo yokufa;

Wakunda samba redima,

Waponisa vanhu vake.

3 Guva rake rakarindwa

Ndivo varindi nezihwe;

Asi zvino anembiri

Wauya somukuriri.

4 Wasunungurwa mukufa,

Nguva yenhamo yapera,

Ngerosi yasima kuti

Tenzi wenyu wamukazve.

5 Tenzi Jesu,gara nesu

Zvino mukufara kwedu,

Utichengete narini

Musimba rese rekufa.

6 Mbiri ngaive kunewe

Wakamukazve mukufa,

Mbiri kuna mwari baba,

Kuno Mweya Unoyera. Amen.

Exit mobile version