Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 70 Uyayi zvino ticheme Lyrics

Shona Anglican Hymn  70  Uyayi zvino ticheme

 

1. UYAI zvino ticheme,

Uyai kunoM’ponisi;

Tese ngaticheme pamwe;

Jesu, Tenzi, waroverwa.

2. Hatimuchemeri here?

Ari kusekwa navanhu;

Onai kutiwa kwake;

Jesu, Tenzi, waroverwa.

3. Wabaiwa manja, tsoka,

Wapera ngenyota zvino,

Ropa razadza maziso;

Jesu, Tenzi, waroverwa.

4. Wareva mazwi manomwe

Panguva yese yedima,

Achinamatira vanhu;

Jesu, Tenzi, waroverwa.

5. Ngatimire tese pamwe

Pasi poM’chinjiko wake,

Ropa ngaritidonhere;

Jesu Tenzi waroverwa.

6. Kumbirai muchapiwa

Mwoyo mutsva unosuva;

Tenzi Jesu ngaticheme;

Watifira paM’chinjiko.

Exit mobile version