Shona Anglican Hymn 7 Hezvo muka mweya wangu
Hezvo muka mweya wangu
Penya upenye sezuva
Sezuva shandawo newe
Usati wavakudoka.
Chengetai hana dzenyu
Sokuchena kwesikati
Mukukurukura kwako
Ufadze muumbi wako.
Tsiwa nguva wakarasa
Ubve waswerawo nhasi
Uchinyatsorongedzera
Zuva guru rokutongwa.
Ukamirira mangwana
Ungaone wanonoka
Onei waringisana
Nechiso chinotyisisa.
Semiranzi inopenya
Upenyewo zvakadaro
Uchivenekera vamwe
Kumusha kwako kudenga.
Tunhidza Mwari mese
Mutunhidzei zvisikwa,
Mutunhidzei Ngerosi,
Baba, Mukorore, Mweya.Amen.