Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 63 Famba muumambo hwako Lyrics

Shona Anglican Hymn  63  Famba muumambo hwako

 

1. FAMBA muumambo hwako!

Uri pambongoro yako;

Vanhu vese vachiimba

Nemichindwi nezviimbo.

2. Famba muumambo hwako!

Kupfumvu, nhamo norufo!

Kristu mbiri yavambira

Kukunda guva neshungu.

3. Famba muumambo hwako!

Ngerosi dzese dzedenga

Dziri kusuva nyamusi

Ngepfungwa yomuteuro.

4. Famba muumambo hwako!

Dambudziko razosvika;

Baba pachigaro chake

Ari kumirira Mwana.

5. Famba muumambo hwako!

Kupfumvu, nhamo norufu!

Masure mezvo simuka

Utonge mumbiri yako.

Exit mobile version