Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 61 Mbiri yese kunewe Lyrics

Shona Anglican Hymn  61  Mbiri yese kunewe

 

1. MBIRI yese kunewe

Muponisi Mambo ;

Vapwere vanoimba

Hosana kunewe.

2. Mambo waIsraeri,

Mwana waDavidi,

Unouya saMambo

Muzita raTenzi.

3. Ngerosi dzokudenga

Dzinokutunhidza,

Vanhu, nezviro zvese,

Vanopindurazve.

4. Vanhu vaIsraeri

Vakapa michindwi,

Isu tinopa ndwiyo

Neminamatozve.

5. Usati waroverwa

Vakakutunhidza;

Zvino uri kudenga

Tinokuimbira.

6. Wakafadzwa ngendwiyo

Dzavanhu vekare;

Tambira ndwiyo dzedu

Mambo wakanaka.

Exit mobile version