Shona Anglican Hymn 59 Parutivi rwomuponesi
1. PARUTIVI rwoM’ponisi wangu
Pakapopoma rwizi rweropa,
Vese vatadzi vanosamba’po
Vachibuda vati mbuu kuchena.
2. Mbavha yakafa paMuchinjiko
Yakashambidzwa muurwo rwizi
Neni ndisina pakati mbee,
Ndingati mbuu muna’rwo rukova.
3. Ndizvo basi ndosimbawo nazvo
Ndabva mumhaka isingaperi,
Hapachinazve nerimwe zita
Rinondifadza kupinda rake.
4. Kana ndichinge ndowokotsira
Rurimi rwangu rwanyararisa
Ndinodudza norurimi rutsva,
Ndinodudza norurimi rutsva,
Muponisi wakandinunura.