Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 51 Mu’ponisi unopa vanhu Lyrics

Shona Anglican Hymn  51  Mu’ponisi unopa vanhu

 

M’PONISI unopa vanhu
Zvipo zvese zvakanaka,
Mudiwa wavanhu;
Jesu tauya kunewe,
Inzwa zvikumbiro zvedu
Tiri kukutsvaka.

Tinoziva mhosva dzedu
Dzepfungwa, mazwi, nebasa;
Takatadza tese;
Uchenure hana dzedu,
Dzorera vanopinduka,
Uvasunungure.

Kuti uchiramba isu
Tingabatsirwe ndiani?
Iwe Muponisi:
Suka mwoyo yakasvipa,
Tambira vanochemera
Zvinyangadzo zvavo.

Ngekutsanya kwako kare
Wakapa muenzaniso
Mukutsanya kwedu;
Tipe tizvirambe zvino,
Ndizvo tifare pamusi
Wokumuka kwako.

A! Utatu Hunoyera
Tipe tsitsi dzako zvino,
Tikotse narini;
Kuti tamuka mukufa
Tikuimbire kudenga
Navatsvene vako.

Exit mobile version