Shona Anglican Hymn 47 Beterehema rinopinda
BETEREHEMA rinopinda
Misha yese yepasi;
Tenzi wakabuda umo
Kutonga vanhu vake.
Zvo akabarwa, nyenyedzi
Yakapenya sezuva
Yakadaidzira pasi
Mwari waitwa nyama.
Vazivi vaMabvazuva
Vakapa zvipo zvavo.
Ona! vakapa ndarama
Norusenzi nomura.
Vakatambidza ndarama,
Kunaiye saMambo,
Rusenzi sokuna Mwari
Nomura’ zvo achafa.
Jesu Iwe wakakudzwa
Pakuoniswa kwako,
Mbiri ngaive kunewe,
NaBaba noMweyawo. Amen.