Shona Anglican Hymn 44 Ipapo mudanga muBeterehema
IPAPO mudanga muBeterehema
Jesu somwana anorara pauswa
Maria mai wake agree petyo
NaJosefa muchengeti wavo vese.
Maiva nengombe imo mudangamo
Asi mwana haatyiswi kudziona
Ngekuti uyu mwana musiki wadzo
Nomusiki weduwo navanhu vese.
Vafudzi vakauya kuona mwana,
Vakabva kumafuro avo usiku
Ngerosi kudenga dzakavirikidza
Zvo Muponisi akanga aberekwa.
Ngatione vatsvene Beterehema;
Ngatirangarire Jesu ari petyo
Akabarwa kare paBeterehema
Achagarawo nesu nhasi, narini