Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 42 Vanhu vachifudza hwai Lyrics

Shona Anglican Hymn  42  Vanhu vachifudza hwai

 

VANHU vachifudza hwai
Kunze paUsiku
Vakanzwa ngerosi zhinji
Dzichiimba rwiyo.
Mbiri kumusorosoro.

Vakatya zvikuru kwazvo
Vachiona hondo
Yengerosi dzokudenga
Dzichifarisisa

Farisai, musatyeba,
Kristu aberekwa
Ndiye mwana wokudenga,
Uko Beterehema.

Uko dzinogara ngombe
Kune kakomana
Ndiye mwana wokudenga,
Auya kunesu

Vakaenda kom’ombera
Vakam’virikidza:
Vakacherechedza Mwari,
Mwari ava nyama.

Zvino Josefa naMaria
Pamwe navafudzi
Vakacherechedza Mwari
Ngatimukudzise

Exit mobile version