Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 38 Mwana wabairwa isu Lyrics

Shona Anglican Hymn  38  Mwana wabairwa isu

 

MWANA wabarirwa isu.
Ona arimo muchando,
Nyenye inoyera kwazvo
Yakatsidzwa karekare.
Zuva rakakomborerwa !
Ngatiimbe ngekufara
Kristu arimo mudanga,
Nhasi wabarirwa isu.

Iye wakasika denga,
Anogara achikudzwa
Ngengerosi dzese dzese,
Arimo mudanga zvino;

Imi vanhu tiudzei
Nyaya yenyu yokufara
Ngei maregera hwai
Dziri kure pamakomo?

Apo takafudza hwai
Takaona mbiri huru
Ngerosi dzaimba kuti:
“Runyararo kuna vanhu.”

Jesu sheshe inoyera
Uno rudo rwashamisa
Waregera mbiri yako
Uchiuya somurombo.

Mwana wedu unodiwa
Tipe titevere Iwe
Mukutiwa nokupfava,
Rudo, tsitsi, nourombo.

Exit mobile version