Shona Anglican Hymn 34 Kare kwakamira danga
KARE kwakamira danga
Mumusha waDavidi;
Umo mai akaisa
Kamwana mune ngombe
Maria ndiye Mai,
Jesu Kristu kamwana.
Wakasiya mbiri yake,
Mwari wedu, naTenzi,
Wakabarwa pasi pano
Mudanga rezvipfuwo.
Ona, M’ponisi wedu
Wakagara murombo.
Paupwere hwake hwese
Wakadisa Maria;
Misi yese wakamunzwa
Uyo wakamurera.
Imi vana edzai
Kufanana naiye.
Wakapa muenzaniso
Worugaro kunesu,
Waichema, waiseka
Waiita sesuwo,
Anosongana nesu
Munhamo nokufara.
Pakuguma ticham’ona
Iye Mambo worudo;
Uyo Mwana wakatiwa
Ari Mwari mukuru.
Kuti tichitevera
Tichasvika Kudenga.
Hatichamuoni apo
Pane danga rengombe
Tichaona a’ne mbiri
Achikudzwa kudenga.
Apo vachava naye
Vana vake vazhinji.