Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 30 Ngerosi dzinoimba Lyrics

Shona Anglican Hymn  30  Ngerosi dzinoimba

 

NGEROSI dzinoimba
Kukudza Mambo mutsva.
Rugare ruri pasi
Vanhu vasunungurwa.
Farai ndudzi dzese
Pamwe navo kundenga
Revai ngerosi,
Kristu wabarwa nhasi.
Ngerosi dzinoimba
Mbiri kuMambo mutsva

Kristu ngaatunhidzwe
Kristu Tenzi wekare;
Onai zvino wasvika
Dangwe romusikana;
Ngatione Umwari
Hwavandiswa munyama;
Anogara kunesu
Jesu, Mwari anesu.

Kwaziwai Muchinda !
Zuva rokururama,
Anounza upenyu
Norujeko kunesu;
Achisiya mbiri yake,
Wabarirwa kuponisa
Vanhu vese vepasi,
Kupa upenyu hutsva.

Exit mobile version